2 Chronicles 14:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti wakati kuʋaJuda: Ŋgatiʋake maguta iwayo, tiapoteredze namaȿiŋgo, neshoŋgwe, namasuʋo, namazariro; nyika iciri pamberi peɗu, nokuti takatȿaka Jehova Mŋari weɗu; takamutȿaka, akatizorodza pamatiʋi ose. Ipapo ʋakaʋaka, ʋakagara ɀakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati kuJudha, “Ngativakei maguta aya, uye tiise masvingo okuapoteredza, ane shongwe, masuo namazariro. Nyika ichiri yedu, nokuti takatsvaga Jehovha Mwari wedu; takamutsvaga uye akatipa zororo kumativi ose.” Saka vakavaka uye vakabudirira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati kune vokwaJudha, “Ngativakiridzei maguta aya tiapoteredze netsvingo nenharire nemisuo mikuru nezvihuri. Nyika iyi ichiri yedu pamusana pokuti takatsvaka Tenzi, Mwari wedu. Takamutsvaka akabva atipa runyararo kumativi kwose.” Naizvozvo vakavaka, vakabudirira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti akati kuvaJudha, “Ngativake maguta iwayo, tiapoteredze namasvingo, neshongwe, namasuo, namazariro; nyika ichiri pamberi pedu, nokuti takatsvaka Jehovha Mwari wedu; takamutsvaka, akatizorodza pamativi ose.” Ipapo vakavaka, vakagara zvakanaka.
Shona 2009?
Nokuti akati kuvaJudha, "Ngativake maguta iwayo, tiapoteredze namasvingo, neshongwe, namasuo, namazariro; nyika ichiri pamberi pedu, nokuti takatsvaka Jehovha Mwari wedu; takamutsvaka, akatizorodza pamativi ose." Ipapo vakavaka, vakagara zvakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti akati kuvaJudha, “Ngativake maguta iwayo, tiapoteredze namasvingo, neshongwe, namasuwo, namazariro; nyika ichiri pamberi pedu, nokuti takatsvaka Jehovha Mwari wedu; takamutsvaka, akatizorodza pamativi ose.” Ipapo vakavaka, vakagara zvakanaka.