2 Chronicles 14:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asa wakaŋga anehondo yaʋaJuda, ʋaneɀuru ɀinamazana matatu, ʋakaŋga ʋakashoŋga nhoʋo huru namapfumo; neyaʋaBenjamini ʋaneɀuru ɀinamazana maʋiri namakumi masere, ʋakaŋga ʋakashoŋga nhoʋo ʋaifura noʋuta; aʋa ʋose ʋaiʋa ʋarume ʋanesimba noʋumhare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asa aiva nehondo yaisvika zviuru mazana matatu kubva kuJudha, vakanga vakapakata nhoo huru namapfumo, uye vamwe zviuru mazana maviri namakumi masere kubva kuBhenjamini, vakanga vakapakata nhoo diki neuta. Ava vose vaiva varwi vakashinga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asa uyu aiva nezviuru mazana matatu zvavarwi vaiva nezvombo zvehondo, namapfumo nenhoo, navarwi zviuru mazana maviri namakumi masere vokwaBhenjamini vari vokutakura nhoo nokupfura nemiseve. Vose ivava vaiva mvumba chaidzo dzamagamba okurwa hondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asa akanga ane hondo yavaJudha, vane zviuru zvina mazana matatu, vakanga vakashonga nhoo huru namapfumo; neyavaBhenjamini vane zviuru zvina mazana maviri namakumi masere, vakanga vakashonga nhoo vaifura nouta; ava vose vaiva varume vane simba noumhare.
Shona 2009?
Asa akanga ane hondo yavaJudha, vane zviuru zvina mazana matatu, vakanga vakashonga nhovo huru namapfumo; neyavaBhenjamini vane zviuru zvina mazana maviri namakumi masere, vakanga vakashonga nhovo vaifura nouta; ava vose vaiva varume vane simba noumhare.
Shona SUB 2002 Bible
Asa akanga ane hondo yavaJudha, vane zviuru zvina mazana matatu, vakanga vakashonga nhoo huru namapfumo; neyavaBhenjamini vane zviuru zvina mazana maviri namakumi masere, vakanga vakashonga nhoo vaifura nouta; ava vose vaiva varume vane simba noumhare.