2 Chronicles 15:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akabvisa ʋo Maaka mai ʋamambo Asa, paʋuhosi bgaʋo; nokuti wakaŋga aitira Ashera cifananidzo cinonyaŋgadza; Asa akaparadza cifananidzo cake, akacikuyakuya, ndokucipisa parukoʋa Kidroni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo Asa akabvisazve ambuya vake Maaka kubva panzvimbo yavo samai vamambo nokuti vakanga vagadzira danda rinonyangadza raAshera. Asa akatema danda riya akarityoratyora akaripisa muMupata weKidhironi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange ambuya vake Maaka, mambo Asa akavabvisa pachigaro chavo chouhosi hwokwamambo nokuti vakanga vagadzira chifananidzo chokunamata chokumiririra Ashera chisingambodiwa zvacho naMwari. Asa akatemera pasi chifananidzo chavo ichocho akachityora-tyora akachipisira kukakova keKidhironi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akabvisawo Maaka mai vamambo Asa, pauhosi hwavo; nokuti vakanga vaitira Ashera chifananidzo chinonyangadza; Asa akaparadza chifananidzo chavo, akachikuyakuya, ndokuchipisa parukova Kidhironi.
Shona 2009?
Akabvisawo Maaka mai vamambo Asa, pauhosi hwavo; nokuti vakanga vaitira Ashera chifananidzo chinonyangadza; Asa akaparadza chifananidzo chavo, akachikuyakuya, ndokuchipisa parukova Kidhironi.
Shona SUB 2002 Bible
Akabvisawo Maaka mai vamambo Asa, pauhosi hwavo; nokuti vakanga vaitira Ashera chifananidzo chinonyangadza; Asa akaparadza chifananidzo chavo, akachikuyakuya, ndokuchipisa parukova Kidhironi.