2 Chronicles 15:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akaɓuɗa kundosoŋgana naAsa, akati kwaari: Nditererei imi, Asa naʋaJuda naʋaBenjamini mose; Jehova unemi, kana imi munaye; kana mukamutȿaka, ucawanikwa nemi; asi kana mukamurasha, iye ucakurashai ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akabuda kundosangana naAsa akati kwaari, “Nditeererei, imi Asa, Judha yose neBhenjamini yose. Jehovha anemi kana imi munaye. Kana mukamutsvaka, achawanikwa nemi, asi kana mukamurasa, iye achakarusai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaenda kundosangana naAsa akati kwaari, “Iwe Asa nemi mose vokwaJudha novokwaBhenjamini imbonditeereraiwo munzwe, Tenzi anemi kana imi muinaye. Mukamutsvaka manomuwana. Asi imi mukamufuratira, anokufuratiraiwo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akabuda kundosangana naAsa, akati kwaari, “Nditeererei imi, Asa navaJudha navaBhenjamini mose; Jehovha anemi, kana imi munaye; kana mukamutsvaka achawanikwa nemi; asi kana mukamurasha, iye achakurashawo.”
Shona 2009?
akabuda kundosangana naAsa, akati kwaari, "Nditeererei imi, Asa navaJudha navaBhenjamini mose; Jehovha anemi, kana imwi munaye; kana mukamutsvaka achawanikwa nemi; asi kana mukamurasha, iye achakurashawo."
Shona SUB 2002 Bible
akabuda kundosangana naAsa, akati kwaari, “Nditeererei imi, Asa navaJudha navaBhenjamini mose; Jehovha anemi, kana imi munaye; kana mukamutsvaka achawanikwa nemi; asi kana mukamurasha, iye achakurashawo.”