2 Chronicles 15:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Asa wakati acinzwa mashoko awa, neɀakaprofitiwa nomuprofita Odedi, ndokutsuŋga mŋoyo, akabvisa ɀainyaŋgadza panyika yose yaJuda naBenjamini, napamaguta aakaŋga akunda panyika yamakomo yaEfraimi; akaʋandudza artari yaJehova, yakaŋga iri pamberi peɓiraʋira raJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asa paakanzwa mashoko aya nekuporofita kwaAzaria mwanakomana waOdhedhi muprofita akasimbiswa kwazvo. Akabvisa zvifananidzo zvinonyangadza kubva panyika yose yeJudha neBhenjamini nomune mamwe maguta aakanga apamba muzvikomo zveEfuremu. Akavaka patsva aritari yaJehovha yaiva pamberi pebiravira retemberi yaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asa paakanzwa mashoko iwaya okuporofita kwomuporofita wokwaOdhedhi, akatsunga mwoyo akabva abvisa zvifananidzo zvokunamata zvisingadiwi naMwari munyika yose yokwaJudha nokwaBhenjamini nokumaguta aakanga akurira kunyika yokwaEfuremu yamakomo. Akagadzira atari yaTenzi iya yaiva pamberi pekamba kepamusuo wemba yaTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Asa akati achinzwa mashoko awa, nezvakaporofitiwa nomuporofita Odhedhi, ndokutsunga mwoyo, akabvisa zvainyangadza panyika yose yaJudha naBenjamini, napamaguta aakanga akunda panyika yamakomo yaEfuremu; akavandudza aritari yaJehovha, yakanga iri pamberi pebiravira raJehovha.
Shona 2009?
Zvino Asa akati achinzwa mashoko awa, nezvakaporofitiwa nomuporofita Odhedhi, ndokutsunga moyo, akabvisa zvainyangadza panyika yose yaJudha naBenjamini, napamaguta aakanga akunda panyika yamakomo yaEfuremu; akavandudza aritari yaJehovha, yakanga iri pamberi pebiravira raJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Asa akati achinzwa mashoko awa, nezvakaporofitiwa nomuporofita Odhedhi, ndokutsunga mwoyo, akabvisa zvainyangadza panyika yose yaJudha naBhenjamini, napamaguta aakanga akunda panyika yamakomo yaEfuremu; akavandudza atari yaJehovha, yakanga iri pamberi pebiravira raJehovha.