2 Chronicles 15:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akaʋuŋganidza ʋaJuda, naʋaBenjamini ʋose, naʋatorwa ʋakaŋga ʋagere pakati paʋo ʋaibva kunaEfraimi, naManase, naSimeoni; nokuti ʋazhinji ʋaibva kunaIsraeri ʋakaʋuya kwaari, pakuʋona kwaʋo kuti Jehova Mŋari wake unaye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akaunganidza Judha neBhenjamini yose navanhu vaibva kuEfuremu, Manase neSimeoni vakanga vagere pakati pavo; nokuti vanhu vazhinji kwazvo vakanga vauya kwaari vachibva kuIsraeri pavakaona kuti Jehovha Mwari wake aiva naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaunganidza vose vokwaJudha nevokwaBhenjamini nevokwaEfuremu nevokwaManase nevokwaSimeoni vakanga vava kugara kwake nokuti vanhu vazhinji vakatizira kwaari vachibva kwaIsiraeri paya pavakaona kuti Tenzi, Mwari wake anaye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akaunganidza vaJudha, navaBhenjamini vose, navatorwa vakanga vagere pakati pavo vaibva kuna Efuremu, naManase, naSimeoni; nokuti vazhinji vaibva kuna Isiraeri vakauya kwaari, pakuona kwavo kuti Jehovha Mwari wake anaye.
Shona 2009?
Ipapo akaunganidza vaJudha, navaBhenjamini vose, navatorwa vakanga vagere pakati pavo vaibva kuna Efuremu, naManase, naSimiyoni, nokuti vazhinji vaibva kuna Isiraeri vakauya kwaari, pakuona kwavo kuti Jehovha Mwari wake anaye.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akaunganidza vaJudha, navaBhenjamini vose, navatorwa vakanga vagere pakati pavo vaibva kuna Efuremu, naManase, naSimioni; nokuti vazhinji vaibva kuna Isiraeri vakauya kwaari, pakuona kwavo kuti Jehovha Mwari wake anaye.