2 Chronicles 16:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Asa akatsamŋira muʋoni, akamuisa mutoroŋgo; nokuti wakaŋga amutsamŋira kwaɀo nokuɗa kwecinhu ici. Neŋguʋa iyo Asa akatambudza ʋo ʋamŋe ʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asa akashatirwa kwazvo zvokuti akamuisa mutorongo. Panguva imwe cheteyo Asa akadzvinyirira vamwe vanhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asa akashatirirwa muoni uyu akamupfigira mujeri nokuti akanga amuvirukira nehasha pamusana paizvozvi. Panguva imwecheteyo Asa akabata vamwe vanhu noutsinye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Asa akatsamwira muoni, akamuisa mutorongo; nokuti akanga amutsamwira kwazvo nokuda kwechinhu ichi. Nenguva iyo Asa akatambudzawo vamwe vanhu.
Shona 2009?
Ipapo Asa akatsamwira muoni, akamuisa mutirongo; nokuti akanga amutsamwira kwazvo nokuda kwechinhu ichi. Nenguva iyo Asa akatambudzawo vamwe vanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Asa akatsamwira muoni, akamuisa mutorongo; nokuti akanga amutsamwira kwazvo nokuda kwechinhu ichi. Nenguva iyo Asa akatambudzawo vamwe vanhu.