2 Chronicles 16:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi pagore ramakumi matatu namapfumbamŋe rokuɓata kwake ʋushe, Asa akazonzwa makumbo; ʋurwere bgake ʋukanyanya kwaɀo; kunyaŋge ɀakaɗaro, paʋurwere bgake haana‐kutȿaka Jehova, asi ŋaŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mugore ramakumi matatu namapfumbamwe rokutonga kwake, Asa akabatwa nechirwere mumakumbo ake. Kunyange chirwere chake chakanga chanyanyisa mukurwara kwake imomo haana kutsvaka rubatsiro kubva kuna Jehovha asi kubva kun'anga chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mugore ramakumi matatu nechipfumbamwe Asa akaita chirwere chomutsoka, urwere hwake hwakazonyanyisa kwazvo. Kunyange nomuurwere hwake ihohu haana kutsvaka Tenzi, asi kuti akandotsvaka rubatsiro kun'anga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi pagore ramakumi matatu namapfumbamwe rokubata kwake ushe, Asa akazonzwa makumbo; urwere hwake hukanyanya kwazvo; kunyange zvakadaro, paurwere hwake haana kutsvaka Jehovha, asi n'anga.
Shona 2009?
Asi pagore ramakumi matatu namapfumbamwe rokubata kwake ushe, Asa akazonzwa makumbo; urwere hwake hukanyanya kwazvo; kunyange zvakadaro, paurwere hwake haana kutsvaka Jehovha, asi n'anga.
Shona SUB 2002 Bible
Asi pagore ramakumi matatu namapfumbamwe rokubata kwake ushe, Asa akazonzwa makumbo; urwere hwake hukanyanya kwazvo; kunyangwe zvakadaro, paurwere hwake haana kutsvaka Jehovha, asi n'anga.