2 Chronicles 16:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Asa akaɓuɗisa sirveri nendarama muɀiʋigiro ɀefuma yeimba yaJehova neimba yamambo, akatuma shoko kunaBeni‐hadadi mambo weSiria, wakaŋga agere Damasko, akati:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Asa akatora sirivha negoridhe kubva mumatura epfuma yetemberi yaJehovha nokubva mumuzinda wake akazvitumira kuna BheniHadhadhi mambo weAramu, uyo aitonga kuDhamasiko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asa akatora sirivha nendarama upfumi hwepamba yaTenzi nehwemuzinda wamambo akazvitumira kuna Bhenihadhadhi mambo weSiria aigara muDhamasikusi
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Asa akabudisa sirivha nendarama muzvivigiro zvepfuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, akatuma shoko kuna Bhenihadhadhi mambo weSiria, akanga agere Dhamasiko, akati,
Shona 2009?
Ipapo Asa akabudisa sirivha nendarama muzvivigiro zvefuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, akatuma shoko kuna Bhenihadhadhi mambo weSiria, akanga agere Dhamasiko, akati,
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Asa akabudisa sirivha nendarama muzvivigiro zvepfuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, akatuma shoko kuna Bhenihadhadhi mambo weSiria, akanga agere Dhamasikosi, akati,