2 Chronicles 16:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino neŋguʋa iyo muʋoni Hanani akaȿika kunaAsa mambo waJuda, akati kwaari: Ɀawakaʋimba namambo weSiria, ukasaʋimba naJehova Mŋari wako, ɀino hondo yamambo weSiria yapukunyuka paruʋoko rwako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva iyoyo Hanani muoni akauya kuna Asa mambo weJudha akati kwaari, “Nokuti wakavimba namambo weAramu kwete naJehovha Mwari wako, hondo yamambo weAramu yapunyuka kubva mumaoko ako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguva iyoyo, muoni Hanani akasvika kuna Asa mambo wokwaJudha akati kwaari, “Pamusana pokuti iwe wakavimbaka iwe namambo weSiria ukarega kuvimba naTenzi, Mwari wako, hondo yamambo weSiria yakupunyuka mumaoko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nenguva iyo muoni Hanani akasvika kuna Asa mambo waJudha, akati kwaari, “Zvawakavimba namambo weSiria, ukasavimba naJehovha Mwari wako, zvino hondo yamambo weSiria yapukunyuka paruoko rwako.
Shona 2009?
Zvino nenguva iyo muoni Hanani akasvika kuna Asa mambo waJudha, akati kwaari, "Zvawakavimba namambo weSiria, ukasavimba naJehovha Mwari wako, zvino hondo yamambo weSiria yapukunyuka paruoko rwako.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nenguva iyo muoni Hanani akasvika kuna Asa mambo waJudha, akati kwaari, “Zvawakavimba namambo weSiria, ukasavimba naJehovha Mwari wako, zvino hondo yamambo weSiria yapukunyuka paruoko rwako.