2 Chronicles 16:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti meso aJehova anotarira‐tarira kumatiʋi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kunaiye unomŋoyo wakarurama kwaɀo kwaari. Pacinhu ici waita seɓenzi; nokuti kubva ɀino ucaʋiŋgwa nokurwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti meso aJehovha anosvika panyika yose kwaari, wakaita chinhu choupenzi uye kubva zvino zvichienda mberi ucharwa hondo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chiripo ndechokuti ziso raTenzi rinotarisa kwose kwose pasi pano kuti asimbise nokunyaradza vasina chinovarovesa hama pana iye Tenzi. Zvamaita ipapa apa ndezvoupenzi nokuti kubvira nhasi, hondo hadzichazokubvai.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti meso aJehovha anotarira-tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye ano mwoyo wakarurama kwazvo kwaari. Pachinhu ichi waita sebenzi; nokuti kubva zvino uchavingwa nokurwa.”
Shona 2009?
Nokuti meso aJehovha anotarira-tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye ano moyo wakarurama kwazvo kwaari. Pachinhu ichi waita sebenzi; nokuti kubva zvino uchavingwa nokurwa."
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti meso aJehovha anotarira–tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye ano mwoyo wakarurama kwazvo kwaari. Pachinhu ichi waita sebenzi; nokuti kubva zvino uchavingwa nokurwa.”