2 Chronicles 17:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaisa ʋarwi mumaguta ose akakombga aJuda, akaisa ʋo mapoka aʋarwi panyika yaJuda, napamaguta aEfraimi, akaŋga akundwa naAsa ɓaɓa ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaisa varwi mumaguta akakomberedzwa namasvingo eJudha aya akaisa mapoka avarwi muJudha nomumaguta eEfuremu akanga atapwa nababa vake Asa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaisa varwi vehondo mumaguta ose etsvingo okwaJudha, akaisa zvikwata zvavarwi munyika yokwaJudha nomumaguta okwaEfuremu akanga akurirwa nababa wake Asa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaisa varwi mumaguta ose akakombwa aJudha, akaisawo mapoka avarwi panyika yaJudha, napamaguta aEfuremu, akanga akundwa naAsa baba vake.
Shona 2009?
Akaisa varwi mumaguta ose akakombwa aJudha, akaisawo mapoka avarwi panyika yaJudha, napamaguta aEfuremu, akanga akundwa naAsa baba vake.
Shona SUB 2002 Bible
Akaisa varwi mumaguta ose akakombwa aJudha, akaisawo mapoka avarwi panyika yaJudha, napamaguta aEfuremu, akanga akundwa naAsa baba vake.