2 Chronicles 17:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋoyo wake ukashiŋgairira nzira dzaJehova; ʋuye wakabvisa ʋo matunhu akakwirira namatanda okunamata nawo pakati paJuda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwoyo wake wakanga wakazvipira kunzira dzaJehovha uyezve akabvisa nzvimbo dzakakwirira namatanda aAshera kubva muJudha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akanga akaisa mwoyo wake mune zvokunamata, Tenzi uyewo akabvisa maJudha nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira nezvifananidzo zvokunamata zviAshera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwoyo wake ukashingairira nzira dzaJehovha; uye akabvisawo matunhu akakwirira namatanda okunamata nawo pakati paJudha.
Shona 2009?
moyo wake ukashingairira nzira dzaJehovha; uye akabvisawo matunhu akakwirira namatanda okunamata nawo pakati paJudha.
Shona SUB 2002 Bible
Mwoyo wake ukashingairira nzira dzaJehovha; uye akabvisawo matunhu akakwirira namatanda okunamata nawo pakati paJudha.