2 Chronicles 18:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nhume yakaŋga yandoɗana Mikaya yakataura kwaari, ikati: Tarirai, mashoko aʋaprofita anobvumirana acitaura ɀakanaka kunamambo; ɀino ndinokumbira kuti shoko renyu riʋe se shoko romumŋe waʋo, mutaure ʋo ɀakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nhume yakanga yaenda kundodaidza Mikaya yakati kwaari, “Tarira, somunhu mumwe vamwe vaprofita vari kutaura nezvokubudirira kwamambo. Shoko rako ngariwirirane naravamwe, uye utaure zvakanaka.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nhume yakaenda kundodaidza Mikaya, yakamuti, “Chinzwaika, uku vaporofita vose shoko ravari kutaura rimwechete rokuti zvinhu zvichandonakira mambo. Saka imimi dai zvamuchandotaura zvikafananawo nezviri kutaurwa nomumwe nomumwe wavo zvivewo zvakanaka.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nhume yakanga yandodana Mikaya yakataura kwaari, ikati, “Tarirai, mashoko avaporofita anobvumirana achitaura zvakanaka kuna mambo; zvino ndinokumbira kuti shoko renyu rive seshoko romumwe wavo, mutaurewo zvakanaka.”
Shona 2009?
Zvino nhume yakanga yandodana Mikaya yakataura kwaari, ikati, "Tarirai, mashoko avaporofita anobvumirana achitaura zvakanaka kuna mambo; zvino ndinokumbira kuti shoko renyu rive seshoko romumwe wavo, mutaurewo zvakanaka."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nhume yakanga yandodana Mikaya yakataura kwaari, ikati, “Tarirai, mashoko avaporofita anobvumirana achitaura zvakanaka kuna mambo; zvino ndinokumbira kuti shoko renyu rive seshoko romumwe wavo, mutaurewo zvakanaka.”