2 Chronicles 18:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati aciȿika kunamambo, mambo akati kwaari: Mikaya, tiende kundorwa neRamoti‐gireadi here, kana ndirege? Iye akati: Endai henyu, mucakunda; ʋacaiswa muruʋoko rwenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Paakasvika, mambo akamubvunza akati, “Mikaya, tingaenda here kundorwisana neRamoti Gireadhi kana kuti ndiregere?” Akapindura akati, “Varwisei munokunda nokuti vachaiswa mumaoko enyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakasvika pana mambo, mambo akamubvunza kuti, “Nhai Mikaya, toenda here kundorwisa guta reRamoti rokuGireadhi kana kuti ndorega zvangu?” Iye akapindura achiti, “A, endai zvenyuka mundokunda, vachaiswaka mumaoko enyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati achisvika kuna mambo, mambo akati kwaari, “Mikaya, tiende kundorwa neRamotigireadhi here, kana ndirege?” Iye akati, “Endai henyu, muchakunda; vachaiswa muruoko rwenyu.”
Shona 2009?
Zvino akati achisvika kuna mambo, mambo akati kwaari, "Mikaya, tiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana ndirege?" Iye akati, "Endai henyu, muchakunda; vachaiswa muruoko rwenyu."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati achisvika kuna mambo, mambo akati kwaari, “Mikaya, tiende kundorwa neRamoti-giriyadhi here, kana ndirege?” Iye akati, “Endai henyu, muchakunda; vachaiswa muruoko rwenyu.”