2 Chronicles 18:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akati kwaari: Ndinofanira kukupikisa kaŋgani here, kuti undiʋudze ɀokwaɗi yoga nezita raJehova?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akati kwaari, “Kangani kandinofanira kukuita kuti upike kuti usandiudza zvimwe zvinhu kunze kwechokwadi muzita raJehovha?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mambo ndokumuti, “Unoda kuti ndikuudze kangani kundipikira kutaura chokwadi muzita raTenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akati kwaari, “Ndinofanira kukupikisa kangani here, kuti undiudze zvokwadi yoga nezita raJehovha?”
Shona 2009?
Mambo akati kwaari, "Ndinofanira kukupikisa kangani kuti undiudze chokwadi yoga nezita raJehovha?"
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akati kwaari, “Ndinofanira kukupikisa kangani here, kuti undiudze zvokwadi yoga nezita raJehovha?”