2 Chronicles 18:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jehova akati: Ndianiko ucandonyeŋgera Ahabi, aende, andoʋurawa paRamoti‐gireadi? Ɀino mumŋe akataura aciti ɀokuti, nomumŋe ɀe akati ɀokuti.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Jehovha akati, ‘Ndiani angakwezva Ahabhu mambo weIsraeri kuti andorwisa Ramoti Gireadhi kuti aende kurufu rwake ikoko?’ “Mumwe akataura izvi, mumwe izvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi ati, ‘Ndiani angaende zvake akafurira Ahabhu mambo wokwaIsiraeri kuti aende kuguta reRamoti kuGireadhi andopararirako?’ Vakadoma-toma vachitaura twakasiya-siyana,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ipapo Jehovha akati, ‘Ndianiko achandonyengera Ahabhi, aende, andourawa paRamotigireadhi?’ Zvino mumwe akataura achiti zvokuti, nomumwezve akati zvokuti.
Shona 2009?
"Ipapo Jehovha akati, `Ndianiko achandonyengera Ahabhi, aende, andourawa paRamotiGiriyadhi?' Zvino mumwe akataura achiti zvokuti, nomumwezve akati zvokuti.
Shona SUB 2002 Bible
“Ipapo Jehovha akati, ‘Ndianiko achandonyengera Ahabhi, aende, andourayiwa paRamoti-giriyadhi?’ Zvino mumwe akataura achiti zvokuti, nomumwezve akati zvokuti.