2 Chronicles 18:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mamŋe makore akati apfuʋura, iye akaɓurukira Samaria kunaAhabi. Ahabi akamuʋurayira iye naʋanhu ʋaakaŋga anaʋo makwai nenzombe zhinji, akamukurudzira kuenda naye Ramoti‐gireadi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino mamwe makore akati apfuura, iye akaenda kundoshanyira Ahabhu kuSamaria. Ahabhu akamukurudzira kuti arwise Ramoti Gireadhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwapera makore akati kuti akadzika kwaAhabhu kuSamaria. Ahabhu akamuurayira hwai nemombe dzakawanda pamwechete navanhu vaaiva navo, akamukurudzira kukwira kuRamoti kuGireadhi kundorirwisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mamwe makore akati apfuura, iye akaburukira Samaria kuna Ahabhi. Ahabhi akamuurayira iye navanhu vaakanga anavo makwai nenzombe zhinji, akamukurudzira kuenda naye Ramotigireadhi.
Shona 2009?
Zvino mamwe makore akati apfuura, iye akaburukira Samaria kuna Ahabhi. Ahabhi akamuurayira iye navanhu vaakanga anavo makwai nenzombe zhinji, akamukurudzira kuenda naye RamotiGiriyadhi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mamwe makore akati apfuura, iye akaburukira Samaria kuna Ahabhi. Ahabhi akamuurayira iye navanhu vaakanga anavo makwai nenzombe zhinji, akamukurudzira kuenda naye Ramoti-giriyadhi.