2 Chronicles 18:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo waIsraeri akati kunaJehoshafati: Ini ndicaɀishandura, ndigondorwa; asi iwe cifuka ŋguʋo dzako dzoʋushe. Mambo waIsraeri akaɀishandura, ʋakandorwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo weIsraeri akati kuna Jehoshafati, “Ini ndichapinda muhondo ndakapfeka nguo dzokuti ndisazivikanwa asi imi pfekai nguo dzenyu dzoumambo.” Saka mambo weIsraeri akazvishandura akapinda muhondo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ndichazvivanziridza kuita somumwewo munhu ndipindewo mukati mokurwa, asi imi mopfeka magemenzi enyu oumambo.” Mambo wokwaIsiraeri akazvivanziridza kuita somumwewo munhu ndokubva apindawo mukati mehondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ini ndichazvishandura, ndigondorwa; asi iwe chifuka nguo dzako dzoushe.” Mambo waIsiraeri akazvishandura, akandorwa.
Shona 2009?
Zvino mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, "Ini ndichazvishandura, ndigondorwa; asi iwe chifuka nguvo dzako dzoushe." Mambo waIsiraeri akazvishandura, akandorwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ini ndichazvishandura, ndigondorwa; asi iwe chifuka nguo dzako dzoushe.” Mambo waIsiraeri akazvishandura, akandorwa.