2 Chronicles 18:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Ahabi mambo waIsraeri akati kunaJehoshafati mambo waJuda: Mucaenda neni Ramoti‐gireadi here? Iye akapindura, akati: Ini ndakaita sewe, naʋanhu ʋaŋgu saʋanhu ʋako; ticaenda newe kundorwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ahabhu mambo weIsraeri akakumbira Jehoshafati mambo weJudha, akati, “Mungandibatsirawo here kundorwisa Ramoti Gireadhi?” Jehoshafati akapindura akati, “Ini ndakaita sewe uye vanhu vangu savanhu vako; tichakubatsirai muhondo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ahabhu mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati mambo wokwaJudha, “Hamungaendewo neni here kuguta reRamoti rokuGireadhi?” Akamupindura achiti, “Inga tiri vamwechete wani. Vanhu vangu vanongovawo vanhu venyu. Tichange tinemi muhondo yacho.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Ahabhi mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati mambo waJudha, “Muchaenda neni Ramotigireadhi here?” Iye akapindura, akati, “Ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako; tichaenda newe kundorwa.”
Shona 2009?
Ipapo Ahabhi mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati mambo waJudha, "Muchaenda neni RamotiGiriyadhi here?" Iye akapindura, akati, "Ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako; tichaenda newe kundorwa."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Ahabhi mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati mambo waJudha, “Muchaenda neni Ramoti-giriyadhi here?” Iye akapindura, akati, “Ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako; tichaenda newe kundorwa.”