2 Chronicles 18:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe murume akawembura ʋuta bgake asiŋgashumbi hake, akafura mambo waIsraeri pakati peɀisuŋgo ɀeŋguʋo dzake dzokurwa nadzo; ipapo mambo akati kumufambisi weŋgoro: Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuʋadzwa kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mumwe munhu akangokanda museve wake usina kunanga munhu ukandobaya mambo weIsraeri pakati pezvikamu zvenguo dzake dzokurwa nadzo. Mambo akataurira muchairi wengoro kuti, “Tendeutsa ngoro undibvise muhondo. Ndakuvara.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mumwe murume akangokandawo zvake museve wake ukabaya mambo wokwaIsiraeri nechepakati panosangana mabandiko amademautare rapadundundu nereruoko kuzvidzivirira naro muhondo. Naizvozvo akati kumuchairi wengoro yake yehondo, “Chitendeuka unditakurire kunze kwehondo. Ndakuvadzwa ini!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe murume akawembura uta hwake asingashumbi hake, akafura mambo waIsiraeri pakati pezvisungo zvenguo dzake dzokurwa nadzo; ipapo mambo akati kumufambisi wengoro, “Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuvadzwa kwazvo.”
Shona 2009?
Zvino mumwe murume akawembura uta hwake asingashumbi hake, akafura mambo waIsiraeri pakati pezvisungo zvenguvo dzake dzokurwa nadzo; ipapo mambo akati kumufambisi wengoro, "Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuvadzwa kwazvo."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe murume akawembura uta hwake asingashumbi hake, akafura mambo waIsiraeri pakati pezvisungo zvenguo dzake dzokurwa nadzo; ipapo mambo akati kumufambisi wengoro, “Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuvadzwa kwazvo.”