2 Chronicles 18:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kurwa kukanyanya kwaɀo nomusi uyo; asi mambo waIsraeri wakaɀitsigira muŋgoro yake akarwa naʋaSiria kuȿikira maɗekwana; ɀino paŋguʋa yokuʋira kwezuʋa akafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwezuva rose kurwa kwakaenderera mberi uye mambo weIsraeri akazvitsigira mungoro yake akarwisana navaAramu kusvikira manheru. Zvino pakuvira kwezuva akafa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hondo yakatsviriridza musi iwoyo mambo wokwaIsiraeri ndokuramba akatsigirirwa ari mungoro yehondo akatarisa kuvaSirira kusvikira kumanheru ndokuzobva afa zuva rodoka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kurwa kukanyanya kwazvo nomusi uyo; asi mambo waIsiraeri wakazvitsigira mungoro yake akarwa navaSiria kusvikira madekwana; zvino panguva yokuvira kwezuva akafa.
Shona 2009?
Kurwa kukanyanya kwazvo nomusi uyo; asi mambo waIsiraeri wakazvitsigira mungoro yake akarwa navaSiria kusvikira madekwana; zvino panguva yokuvira kwezuva akafa.
Shona SUB 2002 Bible
Kurwa kukanyanya kwazvo nomusi uyo; asi mambo waIsiraeri wakazvitsigira mungoro yake akarwa naVaSiria kusvikira madekwana; zvino panguva yokuvira kwezuva akafa.