2 Chronicles 18:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo waIsraeri akati kunaJehoshafati: Mumŋe murume uci’ko, watiŋgabvunza kuɗa kwaJehova naye, asi ini ndinomuʋeŋga, nokuti haatoŋgoprofiti ɀakanaka pamsoro paŋgu, asi mazuʋa ose ɀakaipa; ndiye Mikaya mŋanakomana waImra. Jehoshafati akati: Mambo ŋgaarege kuɗaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo weIsraeri akapindura Jehoshafati akati, “Pachine murume mumwe chete watingabvunza nezvaJehovha asi ndinomuvenga nokuti haamboprofita zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa nguva dzose. Anonzi Mikaya mwanakomana waImira.” Jehoshafati akapindura akati, “Mambo havafaniri kutaura vachidaro.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Pachine mumwe murume mumwechete watinganzwe naye kuti Tenzi anoti kudii nazvo. NdiMikaya mwanakomana waImura. Asi ini ndinomuvenga nokuti haamboporofita zvakanaka nezvangu asi zvakaipa mazuva ese.” Jehoshafati ndokuti, “Dai mukarega kutaura muchidaro mambo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Mumwe murume achiko, watingabvunza kuda kwaJehovha naye, asi ini ndinomuvenga, nokuti haatongoporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi mazuva ose zvakaipa; ndiye Mikaya mwanakomana waImira.” Jehoshafati akati, “Mambo ngaarege kudaro.”
Shona 2009?
Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, "Mumwe murume achiko, watingabvunza kuda kwaJehovha naye, asi ini ndinomuvenga, nokuti haatongoporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi mazuva ose zvakaipa; ndiye Mikaya mwanakomana waImira." Jehoshafati akati, "Mambo ngaarege kudaro."
Shona SUB 2002 Bible
Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Mumwe murume achiko, watingabvunza kuda kwaJehovha naye, asi ini ndinomuvenga, nokuti haatongoporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi mazuva ose zvakaipa; ndiye Mikaya mwanakomana waImira.” Jehoshafati akati, “Mambo ngaarege kudaro.”