2 Chronicles 19:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana mhaka yenharo ikaȿika kwamuri icibva kuhama dzenyu dzigere pamaguta aʋo, kana riri shoko rokuʋurayana, kana romurau kana murairo, kana ɀakatemŋa kana ɀakatoŋgwa, munofanira kuʋanyeʋera kuti ʋarege kupara mhaka panaJehova, kuti murege kutsamŋirwa imi nehama dzenyu; itai iɀoɀo, mugorega kuʋa nemhoȿa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munyaya ipi neipi inouya kwamuri kubva kuna vamwe vomunyika yenyu vanogara mumaguta, kungava kuteuka kweropa kana zvimwewo zvinotaurwa nomurayiro, zvakarayirwa, mitemo kana zvirevo, munofanira kuvayambira kuti vasatadzira Jehovha; mukasadaro kutsamwa kwake kuchauya pamusoro penyu nehama dzenyu. Itai izvi uye hamuzotadzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panenge mhosva yapirwa kwamuri ichibva kuhama dzenyu dzigere mumaguta adzo iri yokudeura ropa kana yokutyora mutemo kana murao nezvirevo nezvirongwa; munofanira kuvadzidzisa kuitira kuti varege kupara mhosva pana Tenzi uye kuti arege kuvirukira nehasha imi nehama dzenyu. Izvozvo ndozvamunofanira kuita mugorega kupara mhosva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana mhaka yenharo ikasvika kwamuri ichibva kuhama dzenyu dzigere pamaguta avo, kana riri shoko rokuurayana, kana nomurau kana murayiro, kana zvakatemwa kana zvakatongwa, munofanira kuvanyevera kuti varege kupara mhaka pana Jehovha, kuti murege kutsamwirwa imi nehama dzenyu; itai izvozvo, mugorega kuva nemhosva.
Shona 2009?
Zvino kana mhaka yenharo ikasvika kwamuri ichibva kuhama dzenyu dzigere pamaguta avo, kana riri shoko rokuurayana, kana romurau kana murayiro, kana zvakatemwa kana zvakatongwa, munofanira kuvanyevera kuti varege kupara mhaka pana Jehovha, kuti murege kutsamwirwa imwi nehama dzenyu; itai izvozvo, mugorega kuva nemhosva.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana mhaka yenharo ikasvika kwamuri ichibva kuhama dzenyu dzigere pamaguta avo, kana riri shoko rokuurayana, kana nomurau kana murairo, kana zvakatemwa kana zvakatongwa, munofanira kuvanyevera kuti varege kupara mhaka pana Jehovha, kuti murege kutsamwirwa imi nehama dzenyu; itai izvozvo, mugorega kuva nemhosva.