2 Chronicles 19:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino tarirai, Amaria muprista mukuru ucakurairai pamashoko ose aJehova; naZebadia mŋanakomana waIshmaeri, mutariri weimba yaJuda, pamashoko ose amambo; naʋaRevi ʋacaʋa ʋatariri ʋenyu. Itai nesimba, Jehova aʋe naʋakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Amaria muprista mukuru ndiye achakutongai panyaya ipi zvayo iri maererano naJehovha. Uye Zebhadhia mwanakomana waIshumaeri mutungamiri worudzi rwaJudha, achakutongai panyaya ipi zvayo iri maererano naMambo uye vaRevhi vachashanda savatariri pamberi penyu. Itai zvose nokushinga uye Jehovha ngaave navose vanoita zvakanaka.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chinzwai, mupristi mukuru Amariya ndiye anokutungamirirai mune zvinhu zvose zvaTenzi. Wokutarisa zvose zvokwamambo ndiZebhadhiya mwanakomana waIshimaeri mutongi wedzinza rokwaJudha. VaRevhi vachange varivo machinda enyu. Shingai muzviite, Tenzi ngaave zvake nomururami.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino tarirai, Amaria mupristi mukuru achakurairai pamashoko ose aJehovha; naZebhadhia mwanakomana waIshimaeri, mutariri weimba yaJudha, pamashoko ose amambo; navaRevhi vachava vatariri venyu. Itai nesimba, Jehovha ave navakanaka.”
Shona 2009?
Zvino tarirai, Amaria muprista mukuru achakurairai pamashoko ose aJehovha; naZebhadhia mwanakomana waIshimaeri, mutariri weimba yaJudha, pamashoko ose amambo; navaRevhi vachava vatariri venyu. Itai nesimba, Jehovha ave navakanaka."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino tarirai, Amaria mupristi mukuru achakurairai pamashoko ose aJehovha; naZebhadhia mwanakomana waIshimaeri, mutariri weimba yaJudha, pamashoko ose amambo; navaRevhi vachava vatariri venyu. Itai nesimba, Jehovha ave navakanaka.”