2 Chronicles 19:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehoshafati akagara paJerusarema, akaɓuɗa ɀe pakati paʋanhu kubva paBeeri‐sheba kuȿikira kunyika yamakomo yaEfraimi, akaʋadzosera ɀe kunaJehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehoshafati aigara muJerusarema, uye akaendazve pakati pavanhu vokuBheeri Shebha kunyika yezvikomo yaEfuremu akavadzosa kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jehoshafati aigara muJerusaremu achiendazve muvanhu kubvira kuBheerishebha kusvikira kunyika yokwaEfuremu yemakomo achivadzosera kuna Tenzi, Mwari wamadzibaba avo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehoshafati akagara paJerusaremu, akabudazve pakati pavanhu kubva paBheerishebha kusvikira kunyika yamakomo yaEfuremu, akavadzoserazve kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
Shona 2009?
Jehoshafati akagara paJerusaremu, akabudazve pakati pavanhu kubva paBheerishebha kusvikira kunyika yamakomo yaEfuremu, akavadzoserazve kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
Shona SUB 2002 Bible
Jehoshafati akagara paJerusaremu, akabudazve pakati pavanhu kubva paBheerishebha kusvikira kunyika yamakomo yaEfuremu, akavadzoserazve kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.