2 Chronicles 19:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akati kuʋatoŋgi: Cenjerai ɀamunoita; nokuti hamutoŋgeri ʋanhu imi asi Jehova; iye unemi pakutoŋga kwenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akavaudza kuti, “Cherechedzai zvikuru zvamunoita, nokuti hamusi kutongera vanhu asi Jehovha, uyo anenge anemi pamunopa mitongo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati kuvatongi, “Nyatsofungai zvamunoita nokuti hamutongere kufadza munhu asi Tenzi. Iye anemi pamunenge muchitonga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati kuvatongi, “Chenjerai zvamunoita; nokuti hamutongeri vanhu imi asi Jehovha; iye anemi pakutonga kwenyu.
Shona 2009?
akati kuvatongi, "Chenjerai zvamunoita; nokuti hamutongeri vanhu imwi asi Jehovha; iye anemi pakutonga kwenyu.
Shona SUB 2002 Bible
akati kuvatongi, “Chenjerai zvamunoita; nokuti hamutongeri vanhu imi asi Jehovha; iye anemi pakutonga kwenyu.