2 Chronicles 2:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hurami akati ʋo: Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaakudzwe, iye wakasika kuɗeŋga napasi, wakapa mambo Davidi mŋanakomana wakaŋgwara, wakapiwa kuŋgwara nokuziʋa, kuʋakira Jehova imba neimba yoʋushe bgake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Hiramu akaenderera mberi achiti, “Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe iye akaita denga nenyika! Akapa mambo Dhavhidhi mwanakomana akachenjera, azere noungwaru nokunzwisisa, achavakira Jehovha temberi uye nokuzvivakirawo muzinda wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Huramu akatiwo, “Tenzi, Mwari weIsiraeri ngaarumbidzwe. Musiki wedenga napasi akapa Dhavhidhi mwanakomna ane ungwaru anonyatsooona zvinhu nomazvo, anonzwisisa achavakira imba Tenzi uye achazvivakirawo muzinda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hurami akatiwo, “Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye akasika denga napasi, akapa mambo Dhavhidhi mwanakomana akangwara, akapiwa kungwara nokuziva, kuvakira Jehovha imba neimba youshe hwake.
Shona 2009?
Hurami akatiwo, "Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye akasika denga napasi, akapa mambo Dhavhidhi mwanakomana akangwara, akapiwa kungwara nokuziva, kuvakira Jehovha imba neimba youshe hwake.
Shona SUB 2002 Bible
Hurami akatiwo, “Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye akasika denga napasi, akapa mambo Dhavhidhi mwanakomana akangwara, akapiwa kungwara nokuziva, kuvakira Jehovha imba neimba youshe hwake.