2 Chronicles 2:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
mŋanakomana womukadzi pakati paʋakunda ʋaDani, ɓaɓa ʋake waiʋa munhu weTire, unoziʋa kuɓata maɓasa endarama, nesirveri, nendarira, namatare, namabge, namatanda, nemiceka mishaʋa, nemitema, nemiceka yakaiȿo‐naka, nemiceka mitȿuku; ʋuye kuʋeza kwose, nokufuŋga mano ose; iye ŋgaapiwe ʋugaro pakati paʋarume ʋenyu ʋakacenjera, naʋarume ʋakacenjera ʋashe waŋgu Davidi ɓaɓa ʋenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mai vake vaibva kuDhani uye baba vake vaibva kuTire. Akadzidziswa kushanda negoridhe, nesirivha, ndarira, nesimbi, matombo namatanda uye nemicheka yepepuru neyebhuruu, nemitsvuku, nemicheka yakaisvonaka. Ane ruzivo mukuveza kwamarudzi ose uye anogona kuveza achiteedzera zvose zvaanenge arayirwa. Achashanda nemhizha dzenyu pamwe chete nedzaishe wangu Dhavhidhi baba vako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
mwanakomana womumwe mudzimai wokwaDhani, baba vake vari munhu wokuTire. Inyanzvi yezvendarama nezvesirivha nezvendarira nesimbi namabwe nezvamapango nezvamachira eruvara rwehute neeruvara rwedenga namatsvuku nezverineni yakanakisisa, nemhando nemhando dzokunyorawo kwokutemera pazvinhu nokufanonyora mifananidzo yezvose zvose zvingade kuzoitwa pamwechete navanhu vokwenyu vanoziva basa, nyanzvi dzebasa dzachangamire wangu Dhavhidhi baba venyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mwanakomana womukadzi pakati pavakunda vaDhani, baba vake aiva munhu weTire, anoziva kubata mabasa endarama, nesirivha, nendarira, namatare, namabwe, namatanda, nemicheka mishava, nemitema, nemicheka yakaisvonaka, nemicheka mitsvuku; uye kuveza kwose, nokufunga mano ose; iye ngaapiwe ugaro pakati pavarume venyu vakachenjera, navarume vakachenjera vashe wangu Dhavhidhi baba venyu.
Shona 2009?
mwanakomana womukadzi pakati pavakunda vaDhani, baba vake aiva munhu weTire, anoziva kubata mabasa endarama, nesirivha, nendarira, namatare, namabwe, namatanda, nemicheka mishava, nemitema, nemicheka yakaisvonaka, nemicheka mitsvuku; uye kuveza kose, nokufunga mano ose; iye ngaapiwe ugaro pakati pavarume venyu vakachenjera, navarume vakachenjera vashe wangu Dhavhidhi baba venyu.
Shona SUB 2002 Bible
mwanakomana womukadzi pakati pavakunda vaDhani, baba vake aiva munhu weTaya, anoziva kubata mabasa endarama, nesirivha, nendarira, namatare, namabwe, namatanda, nemicheka mishava, nemitema, nemicheka yakaisvonaka, nemicheka mitsvuku; uye kuveza kwose, nokufunga mano ose; iye ngaapiwe ugaro pakati pavarume venyu vakachenjera, navarume vakachenjera vashe wangu Dhavhidhi baba venyu.