2 Chronicles 2:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Soromoni akaʋereŋga ʋatorwa ʋose ʋaiʋa panyika yaIsraeri, seɀaʋakaŋga ʋaʋereŋgwa naDavidi ɓaɓa ʋake, ʋakaȿika ɀuru ɀinezana namakumi mashanu neɀitatu namazana matanhatu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Soromoni akaverenga vatorwa vose vaiva muIsraeri mushure mokuverengwa kwavanhu nababa vake Dhavhidhi; uye vakawanikwa vari zviuru zana namakumi mashanu nezvitatu namazana matanhatu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Soromoni akazovenga vatorwa vose vaiva munyika yeIsiraeri mushure mokuverenga vanhu kwakanga kwamboitwa nababa vake Dhavhidhi. Kwakawanikwa kuti kwaiva navanhu vanosvika zviuru zana namakumi mashanu nezvitatu zvine mazana matanhatu avanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Soromoni akaverenga vatorwa vose vaiva panyika yaIsiraeri, sezvavakanga vaverengwa naDhavhidhi baba vake, vakasvika zviuru zvine zana namakumi mashanu nezvitatu namazana matanhatu.
Shona 2009?
Ipapo Soromoni akaverenga vatorwa vose vaiva panyika yaIsiraeri, sezvavakanga vaverengwa naDhavhidhi baba vake, vakasvika zviuru zvine zana namakumi mashanu nezvitatu namazana matanhatu.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Soromoni akaverenga vatorwa vose vaiva panyika yaIsiraeri, sezvavakanga vaverengwa naDhavhidhi baba vake, vakasvika zviuru zvine zana namakumi mashanu nezvitatu namazana matanhatu.