2 Chronicles 2:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaira ʋaneɀuru ɀinamakumi manomŋe ʋaʋe ʋatakuri ʋemitoro, naʋaneɀuru ɀinamakumi masere ʋateme matanda pamakomo, ʋuye ʋaneɀuru ɀitatu namazana matanhatu ʋaʋe ʋatariri kuzoraira ʋanhu pakuɓata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akarayira zviuru makumi manomwe kuti vave vatakuri vamatombo uye zviuru makumi masere kuti vave vavezi vamatombo muzvikomo, uye zviuru zvitatu namazana matanhatu kuti vave vatariri pamusoro pavo kuti vanhu varambe vachishanda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vamwe vavo vanokwana zviuru makumi manomwe akavapa basa rokutakura zvinhu, zviuru makumi masere rokukwakwanura matombo mumakomo nezviuru zvitatu zvina mazana matanhatu rokuwona kuti basa riri kuitwa here nokushandisa vanhu basa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaira vane zviuru zvina makumi manomwe vave vatakuri vemitoro, navane zviuru zvina makumi masere vateme matanda pamakomo, uye vane zviuru zvitatu namazana matanhatu vave vatariri kuzoraira vanhu pakubata.
Shona 2009?
Akaraira vane zviuru zvina makumi manomwe vave vatakuri vemitoro, navane zviuru zvina makumi masere vateme matanda pamakomo, uye vane zviuru zvitatu namazana matanhatu vave vatariri kuzoraira vanhu pakubata.
Shona SUB 2002 Bible
Akaira vane zviuru zvina makumi manomwe vave vatakuri vemitoro, navane zviuru zvina makumi masere vateme matanda pamakomo, uye vane zviuru zvitatu namazana matanhatu vave vatariri kuzoraira vanhu pakubata.