2 Chronicles 2:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, ndoʋakira zita raJehova Mŋari waŋgu imba, ndimutsaurire iyo, kuti ndipisire pamberi pake ɀinonhuwira ɀemiti yakanaka, nokuisa’po ɀiŋgwa ɀokuratidza ɀeŋguʋa dzose neɀipiriso ɀinopiswa maŋgwanani namaɗekwana, pamasaɓata, napakugara kwomŋedzi, napamitambo yakatarwa naJehova Mŋari weɗu. Ndiɀo ɀakarairwa ʋaIsraeri nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino ndava kuda kuvakira Zita raJehovha Mwari wangu temberi ndigoikumikidza kwaari kuti ndigopisira zvinonhuwira pamberi pake, kuti ndigoisa chingwa chakatsaurwa nguva dzose uye kuti ndigoita zvipiriso zvinopiswa mangwanani namanheru oga oga, pamaSabata, paKugara kwoMwedzi napamitambo yakatarwa yaJehovha Mwari wedu. Uyu ndiwo murayiro wakapiwa Israeri nokusingaperi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
zvino iniwo ndava kuvaka imba yokuisa zita raTenzi, Mwari wangu yandichateketera kwaari mokupisira paari rusenzi rwetwunonhuwirira, mokugara makaiswa chingwa chepana Mwari, mokupirirawo mipiro yokupisa yamangwanani neyamanheru pamaSabata napakugara kwomwedzi napamazuva makuru aTenzi, Mwari wedu akatemerwa Isiraeri narini wose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai, ndovakira zita raJehovha Mwari wangu imba, ndimutsaurire iyo, kuti ndipisire pamberi pake zvinonhuwira zvemiti yakanaka, nokuisapo zvingwa zvokuratidza zvenguva dzose nezvipiriso zvinopiswa mangwanani namadekwana, pamaSabata, napakugara kwomwedzi, napamitambo yakatarwa naJehovha Mwari wedu. Ndizvo zvakarairwa vaIsiraeri nokusingaperi.
Shona 2009?
Tarirai, ndovakira zita raJehovha Mwari wangu imba, ndimutsaurire iyo, kuti ndipisire pamberi pake zvinonhuhwira zvemiti yakanaka, nokuisapo zvingwa zvokuratidza zvenguva dzose nezvipiriso zvinopiswa mangwanani namadekwana, pamaSabata, napakugara komwedzi, napamitambo yakatarwa naJehovha Mwari wedu. Ndizvo zvakarairwa vaIsiraeri nokusingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai, ndovakira zita raJehovha Mwari wangu imba, ndimutsaurire iyo, kuti ndipisire pamberi pake zvinonhuwira zvemiti yakanaka, nokuisapo zvingwa zvokuratidza zvenguva dzose nezvipiriso zvinopiswa mangwanani namadekwana, pamaSabata, napakugara kwomwedzi, napamitambo yakatarwa naJehovha Mwari wedu. Ndizvo zvakarairwa VaIsiraeri nokusingaperi.