2 Chronicles 2:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ndianiko unogona kumuʋakira imba, ɗeŋga nokuɗeŋga‐ɗeŋga ɀarisiŋgagoni kumuriŋgana? Ɀino ini ndini aniko, kuti ndimuʋakire imba, asi kuŋgopisa ɀinonhuwira pamberi pake?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ndiani angakwanisa kumuvakira temberi, sezvo iye asingakwani kunyange matenga okumusoro-soro? Ko, ini ndini aniko kuti ndingamuvakirawo temberi asi chete senzvimbo yokupisira zvipiriso zvinopiswa pamberi pake?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ndianiwo chaizvo angakwanise kumuvakira imba, ipo panototi matenga chaiwo kunyange denga rokumatenga-tenga chairo harikwane kuti agaremo. Panguwo pano, ndiri aniwo zvangu kuti ndimuvakire imba, asi kuti kuvaka pokungomupisira rusenzi chete here?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ndianiko anogona kumuvakira imba, denga nokudenga-denga zvarisingagoni kumuringana? Zvino ini ndini aniko, kuti ndimuvakire imba, asi kungopisa zvinonhuwira pamberi pake?
Shona 2009?
Asi ndianiko anogona kumuvakira imba, denga nokudenga-denga zvarisingagoni kumuringana? Zvino ini ndini aniko, kuti ndimuvakire imba, asi kungopisa zvinonhuhwira pamberi pake?
Shona SUB 2002 Bible
Asi ndianiko anogona kumuvakira imba, denga nokudenga–denga zvarisingagoni kumuringana? Zvino ini ndini aniko, kuti ndimuvakire imba, asi kungopisa zvinonhuwira pamberi pake?