2 Chronicles 2:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nditumirei ʋo misidari, nemisipresi, namatanda emiarmugi yapaRibanoni; nokuti ndinoziʋa kuti ʋaranda ʋenyu ʋanenjere dzokutema matanda paRibanoni; tarirai, ʋaranda ʋaŋgu ʋacaʋa naʋaranda ʋenyu,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Nditumireiwo misidhari, mipaini namatanda emuarigami kubva kuRebhanoni nokuti ndinoziva kuti vanhu venyu vane unyanzvi mukutema matanda ikoko. Vanhu vangu vachashanda pamwe chete nevako
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munditumireiwo musidhari nomusaipurasi nomuarugamu okuRebhanoni nokuti ndinoziva kuti vashandi venyu vanoziva zvokutema mapango kuRebhanoni. Vashandi venyu vachava pamwechete navashandi vangu
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nditumireiwo misidhari, nemisipiresi, namatanda emiarigumi yapaRibhanoni; nokuti ndinoziva kuti varanda venyu vane njere dzokutema matanda paRibhanoni; tarirai varanda vangu vachava navaranda venyu,
Shona 2009?
Nditumireiwo misidhari, nemisipiresi, namatanda emiarigumi yapaRibhanoni; nokuti ndinoziva kuti varanda venyu, vane njere dzokutema matanda paRibhanoni; tarirai varanda vangu vachava navaranda venyu,
Shona SUB 2002 Bible
Nditumireiwo misidhari, nemisipiresi, namatanda emiarigumi yapaRibhanoni; nokuti ndinoziva kuti varanda venyu vane njere dzokutema matanda paRibhanoni; tarirai varanda vangu vachava navaranda venyu,