2 Chronicles 20:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iye akati: Tererai, imi ʋaJuda mose, nemi mugere paJerusarema, nemi mambo Jehoshafati; ɀanzi naJehova kwamuri: Musatya, kana kuvunduka nokuɗa kwaʋanhu aʋa ʋazhinji; nokuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati, “Teererai, Mambo Jehoshafati navose vanogara muJudha neJerusarema! Zvanzi naJehovha kwamuri, ‘Musatya kana kuora mwoyo nokuda kwehondo iyi huru, nokuti kurwa uku hakusi kwenyu, asi ndokwaMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati, “Teererai munzwe, imi mose vaJudha nemi vagari vomuJerusaremu nemi mambo Jehoshafati! Tenzi ari kuti kwamuri musatye henyu, musapazamiswe musoro negurusvusvu revanhu racho nokuti hamusirimi mucharwisa, asi kuti Mwari ndiye acharwisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
iye akati, “Tererai, imi vaJudha mose, nemi mugere paJerusaremu, nemi mambo Jehoshafati; zvanzi naJehovha kwamuri, ‘Musatya, kana kuvhunduka nokuda kwavanhu ava vazhinji; nokuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMwari.
Shona 2009?
iye akati, "Teererai, imwi vaJudha mose, nemwi mugere paJerusaremu, nemwi mambo Jehoshafati; zvanzi naJehovha kwamuri: Nemwi musatya, kana kuvhunduka nokuda kwavanhu ava vazhinji, nokuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMwari.
Shona SUB 2002 Bible
iye akati, “Teererai, imi vaJudha mose, nemi mugere paJerusaremu, nemi mambo Jehoshafati; zvanzi naJehovha kwamuri, ‘Musatya, kana kuvhunduka nokuda kwavanhu ava vazhinji; nokuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMwari.