2 Chronicles 20:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋamŋe ʋakaȿika, ʋakaʋudza Jehoshafati, ʋaciti: Ʋanhu ʋazhinji ʋanoʋuya, ʋacibva Siria mhiri kweguŋgwa, kuzorwa nemi; tarirai, ʋari paHazazoni‐tamari (ndiro Enigedi).
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vamwe varume vakauya vakaudza Jehoshafati kuti, “Hondo huru kwazvo iri kuuya kuzokurwisai kubva kuEdhomu, vachibva mhiri kweGungwa. Yatova muHazazoni Tamari (zvichireva Eni Gedhi).
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwakauya vanhu kuna Jehoshafati vakamuudza kuti, “Kuri kuuya gurusvusvu ravanhu uku kuzokurwisai richibva kumhiri kwegungwa, richibva kuEdhomu. Kutaura kuno vatova kuHazazonitamari” (ndiko kunonzi kuEngedhi).
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vamwe vakasvika, vakaudza Jehoshafati, vachiti, “Vanhu vazhinji vanouya, vachibva Siria mhiri kwegungwa, kuzorwa nemi; tarirai, vari paHazazonitamari,” (ndiro Enigedi).
Shona 2009?
Ipapo vamwe vakasvika, vakaudza Jehoshafati, vachiti, "Vanhu vazhinji vanouya, vachibva Siria mhiri kwegungwa, kuzorwa nemi; tarirai, vari paHazazonitamari," (ndiro Enigedi).
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vamwe vakasvika, vakaudza Jehoshafati, vachiti, “Vanhu vazhinji vanouya, vachibva Siria mhiri kwegungwa, kuzorwa nemi; tarirai, vari paHazazonitamari,” (ndiro Enigedi).