2 Chronicles 20:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaJuda ʋakati ʋaciȿika kuruȿiŋgo rwenharirire rwokurenje, ʋakatarira ʋanhu ʋazhinji, ndokuʋona ɀaʋaɀitunha ɀawira pasi, kwakaŋga kusina‐wakapukunyuka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume veJudha pavakasvika panzvimbo yakatarisana nerenje vakatarisa kwaiva nehondo huru vakangoona mitumbi yavanhu vakafa vakati rakata pasi; hapana akapukunyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VokwaJudha pavakasvika pokuongorora vari panharire yomurenje vakatarisa kugurusvusvu ravanhu riya onei wangova murakatira wezvitunha pasi pasina nomumwechete akanga apunyuka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vaJudha vakati vachisvika kurusvingo rwenharirire rwokurenje, vakatarira vanhu vazhinji, ndokuona zvavazvitunha zvawira pasi, kwakanga kusina akapukunyuka.
Shona 2009?
Zvino vaJudha vakati vachisvika kurusvingo rwenharirire rwokurenje, vakatarira vanhu vazhinji, ndokuona zvava zvitunha zvawira pasi, kwakanga kusina akapukunyuka.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vaJudha vakati vachisvika kurusvingo rwenharirire rwokurenje, vakatarira vanhu vazhinji, ndokuona zvava zvitunha zvawira pasi, kwakanga kusina akapukunyuka.