2 Chronicles 20:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehoshafati naʋanhu ʋake ʋakati ʋaciȿika kuzotora ɀaʋaŋgapamba, ʋakawana pakati paʋo fuma zhinji, neɀisimiro, neɀinhu ɀinokosha, ʋakaɀitorera iɀo, asi ʋakakoniwa kuɀitakura ɀose nokuwanda kwaɀo; ʋakaita mazuʋa matatu ʋacitora mhambara, nokuɗa kwokuwanda kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Jehoshafati navanhu vake vakaenda kundotakura pfuma yavakanga vapamba, uye vakawana pakati pezvinhu izvi nhumbi dzakawanda nezvipfeko nemidziyo inokosha, yakawanda kupfuura zvavaikwanisa kutakura. Paiva nezvakapambwa zvakawanda kwazvo zvokuti vakapedza mazuva matatu vachingotakura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakaenda Jehoshafati navanhu vake kundotora zvinhu zvokupamba kwavari, vakasvikowana kuna matanga namatanga emombe nemidziyo nehanzu nezvinhu zvinokosha kwazvo zvavakatora zvavo kuita zvavo, kusvikira pokuti kutakura zvimwe vakanga vasisagoni. Vakaita mazuva matatu ese vachitora zvavo zvinhu zvokupamba, zvakanga zvakawanda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehoshafati navanhu vake vakati vachisvika kuzotora zvavakanga vapamba, vakawana pakati pavo pfuma zhinji, nezvipfeko, nezvinhu zvinokosha, vakazvitorera izvo, asi vakakoniwa kuzvitakura zvose nokuwanda kwazvo; vakaita mazuva matatu vachitora mhambara, nokuda kwokuwanda kwazvo.
Shona 2009?
Zvino Jehoshafati navanhu vake vakati vachisvika kuzotora zvavakanga vapamba, vakawana pakati pavo zvizhinji: zvipfeko, nezvinhu zvinokosha, vakazvitorera izvo, asi vakakoniwa kuzvitakura zvose nokuwanda kwazvo; vakaita mazuva matatu vachitora mhambara, nokuda kokuwanda kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehoshafati navanhu vake vakati vachisvika kuzotora zvavakanga vapamba, vakawana pakati pavo pfuma zhinji, nezvipfeko, nezvinhu zvinokosha, vakazvitorera izvo, asi vakakoniwa kuzvitakura zvose nokuwanda kwazvo; vakaita mazuva matatu vachitora mhambara, nokuda kwokuwanda kwazvo.