2 Chronicles 20:37 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Eriezeri mŋanakomana waDodavahu weMaresha akaprofita pamsoro paJehoshafati, akati: Ɀawasuŋgana naAhazia, Jehova waparadza maɓasa ako. Ɀikepe ɀikaputsika, ɀikakoniwa kuenda Tarshishi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Eriezeri mwanakomana waDhodhavhahu, wokuMaresha akaprofita zvakaipa pamusoro paJehoshafati achiti, “Nokuti maita sungano naAhazia, Jehovha achaparadza zvamaita.” Zvikepe zvakaparadzwa uye hazvina kukwanisa kufamba kuenda kuTashishi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndopakaporofita Eriezeru, mwanakomana waDhodhavhawu wokuMaresha Jehoshafati achiti, “Pamusana pokuti maita rimwe naAhaziya Tenzi achaparadza zvamagadzira.” Ngarava dzacho dzakaparadzwa dzikatadza kusvika kuTarishishi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Eriezeri mwanakomana waDhodhavanhu weMaresha akaporofita pamusoro paJehoshafati, akati, “Zvawasungana naAhazia, Jehovha waparadza mabasa ako.” Zvikepe zvikaputsika, zvikakoniwa kuenda Tarishishi.
Shona 2009?
Ipapo Eriezeri mwanakomana waDhodhavhahu weMaresha akaporofita pamusoro paJehoshafati, akati, "Zvawasungana naAhazia, Jehovha waparadza mabasa ako." Zvikepe zvikaputsika, zvikakoniwa kuenda Tarishishi.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Eriezeri mwanakomana waDhodhavanhu weMaresha akaporofita pamusoro paJehoshafati, akati, “Zvawasungana naAhazia, Jehovha waparadza mabasa ako.” Zvikepe zvikaputsika, zvikakoniwa kuenda Tashishi.