2 Chronicles 20:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akati: Haiwa, Jehova Mŋari wamadziɓaɓa eɗu, imi hamuzi Mŋari uri kuɗeŋga here? Imi hamuzi muɓati woʋushe bgose bgendudzi here? Paruʋoko rwenyu panesimba noʋushe, naiɀoɀo hapanomunhu uŋgakudziʋisai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye akati: “Haiwa Jehovha, Mwari wamadzibaba edu, hamusimi here Mwari wokudenga? Munotonga umambo hwose huri panyika. Simba noukuru zviri muruoko rwenyu. Uye hapana angagona kukukundai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
akati, “Tenzi, Mwari wamadzibaba edu, imi hamusirimi Mwari here mudenga'mu? Inga wani umambo hwose hwamarudzi avanhu huri mumaoko enyu. Uyewo ukuru nesimba zviri mumaoko enyu, zvokuti hapana angamirisane nemi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati, “Haiwa, Jehovha Mwari wamadzibaba edu, imi hamuzi Mwari ari kudenga here? Imi hamuzi mubati woushe hwose hwendudzi here? Paruoko rwenyu pane simba noushe, naizvozvo hapano munhu angakudzivisai.
Shona 2009?
akati, "Haiwa, Jehovha Mwari wamadzibaba edu, imwi hamuzi Mwari ari kudenga here? imwi hamuzi mubati woushe hwose bwendudzi here? Paruoko rwenyu pane simba noushe, naizvozvo hapano munhu angakudzivisai.
Shona SUB 2002 Bible
akati, “Haiwa, Jehovha Mwari wamadzibaba edu, imi hamuzi Mwari ari kudenga here? Imi hamuzi mubati woushe hwose hwendudzi here? Paruoko rwenyu pane simba noushe, naizvozvo hapano munhu angakudzivisai.