2 Chronicles 21:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehoshafati akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa namadziɓaɓa ake muguta raDavidi; Jehorami mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehoshafati akazozorora namadzibaba ake akavigwa navo muguta raDhavhidhi uye Jehoramu mwanakomana wake akamutevera paumambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jehoshafati akazovata oendawo kwakaenda vamwe madzitateguru ake akavigwa pamwechete namadzibaba ake muguta raDhavhidhi. Mwanakomana wake Jehoramu ndiye akatonga panzvimbo pake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehoshafati akavata namadzibaba ake, akavigwa namadzibaba ake muguta raDhavhidhi; Jehoramu mwanakomana wake akamutevera pahushe.
Shona 2009?
Zvino Jehoshafati akavata namadzibaba ake, akavigwa namadzibaba ake muguta raDhavhidhi; Jehoramu mwanakomana wake akamutevera paushe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehoshafati akavata namadzibaba ake, akavigwa namadzibaba ake muguta raDhavhidhi; Jehoramu mwanakomana wake akamutevera pahushe.