2 Chronicles 21:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ŋwadi yakabva kumuprofita Eria, ikaȿika kwaari, iciti: Ɀanzi naJehova Mŋari waɓaɓa ʋako Davidi: Ɀausina‐kufamba nenzira dzaɓaɓa ʋako Jehoshafati, kana nenzira dzaAsa mambo waJuda;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehoramu akatambira tsamba kubva kuna muprofita Eria yaiti: “Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi, ‘Hauna kufamba munzira dzababa vako Jehoshafati kana dzaAsa mambo weJudha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwakauya tsamba kwaari ichibva kumuporofita Eriya ichiti, “Zvanzi naTenzi, Mwari watateguru wenyu Dhavhidhi, ‘Pamusana pokuti hauna kutevedza makwara ababa wako Jehoshafati kana makwara aAsa mambo wokwaJudha
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo n’wadhi yakabva kumuporofita Eria, ikasvika kwaari, ichiti, “Zvanzi naJehovha Mwari wababa vako Dhavhidhi, ‘Zvausina kufamba nenzira dzababa vako Jehoshafati, kana nenzira dzaAsa mambo waJudha;
Shona 2009?
Ipapo mwadhi yakabva kumuporofita Eria, ikasvika kwaari, ichiti, "Zvanzi naJehovha Mwari wababa vako Dhavhidhi, `Zvausina kufamba nenzira dzababa vako Jehoshafati, kana nenzira dzaAsa mambo waJudha;
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo tsamba yakabva kumuporofita Eriya, ikasvika kwaari, ichiti, “Zvanzi naJehovha Mwari wababa vako Dhavhidhi, ‘Zvausina kufamba nenzira dzababa vako Jehoshafati, kana nenzira dzaAsa mambo waJudha;