2 Chronicles 21:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi wakafamba nenzira dzamadzimambo aIsraeri, ukapatisa Juda naʋagere Jerusarema, seɀakaita imba yaAhabi, ukaʋuraya ʋo ʋanuŋuna ʋako ʋeimba yaɓaɓa ʋako, ʋakaŋga ʋakanaka kupfuʋura iwe;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi wakafamba nomunzira dzamadzimambo eIsraeri uye wakatungamirira Judha navanhu vose veJerusarema mukuita upombwe sezvakaitwa neimba yaAhabhu. Wakaurayawo hama dzako, nhengo dzeimba yababa vako varume vakanga vari nani kupfuura iwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ukatotevedza zvako gwara remadzimambo okwaIsiraeri ukakwezvera Judha nevagari vomuJerusaremu muunzenza hwokunamata zvinhu zvisiri Mwari sokutungamirira kwakaita imba yaAhabhu vokwaIsiraeri mukusatendeka uyewo ukaurayaka iwe vanun'una vako vomumba vaitova vanhu vari nani kunewe,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi wakafamba nenzira dzamadzimambo aIsiraeri, ukapatisa Judha navagere Jerusaremu, sezvakaita imba yaAhabhi, ukaurayawo vanun'una vako veimba yababa vako, vakanga vakanaka kupfuura iwe;
Shona 2009?
asi wakafamba nenzira dzamadzimambo aIsiraeri, ukapatisa Judha navagere Jerusaremu, sezvakaita imba yaAhabhi, ukaurayawo vanun'una vako vakanga vakanaka kupfuura iwe;
Shona SUB 2002 Bible
asi wakafamba nenzira dzamadzimambo aIsiraeri, ukapatisa Judha navagere Jerusaremu, sezvakaita imba yaAhabhi, ukaurayawo vanun'una vako veimba yababa vako, vakanga vakanaka kupfuura iwe;