2 Chronicles 21:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino makore maʋiri akati apera, ʋura bgake ʋukaɓuɗa kunze nemhaka yoʋurwere, akafa nehosha dzakaipa; ʋanhu ʋake ʋakasamupisira, seɀaʋakapisira madziɓaɓa ake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokufamba kwenguva mukupera kwegore rechipiri maura ake akabuda kunze nokuda kwechirwere ichi, uye akafa achirwadziwa zvikuru. Vanhu vose havana kuvesa moto wokumuremekedza sezvavakanga vaitira baba vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokufamba kwenguva, kwapera makore maviri, ura hwake hwakabuda pamusana pechirwere ichochi akafa achirwadziwa zvikuru. Vanhu vake havana kumuitira moto wokumuremekedza nawo semoto yaiitirwa madzibaba ake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino makore maviri akati apera, ura hwake hukabuda kunze nemhaka yourwere, akafa nehosha dzakaipa; vanhu vake vakasamupisira, sezvavakapisira madzibaba ake.
Shona 2009?
Zvino makore maviri akati apera, ura hwake hukabuda kunze nemhaka yourwere, akafa nehosha dzakaipa; vanhu vake vakasamupisira, sezvavakapisira madzibaba ake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino makore maviri akati apera, ura hwake hukabuda kunze nemhaka yourwere, akafa nezvirwere zvakaipa; vanhu vake vakasamupisira, sezvavakapisira madzibaba ake.