2 Chronicles 21:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakaŋga aȿika makore makumi matatu namaʋiri pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore masere; akaenda hake asiŋgaɗikanwi, ʋakamuʋiga paguta raDavidi, asi haʋana‐kumuʋiga pamarinda amadzimambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehoramu aiva namakore makumi matatu namaviri paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore masere. Paakafa hapana akarwadziwa nokufa kwake, akavigwa muguta raDhavhidhi asi kwete kumakuva amadzimambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakatangisa kutonga akanga ava namakore makumi matatu namaviri. Akatonga kwemakore masere ari muJerusaremu. Paakashaya hapana akamuchema. Vakamuviga muGuta raDhavhidhi, kwete mumakuva emadzimambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akanga asvika makore makumi matatu namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore masere; akaenda hake asingadikanwi, vakamuviga paguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga pamarinda amadzimambo.
Shona 2009?
Akanga asvika makore makumi matatu namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore masere; akaenda hake asingadikamwi, vakamuviga paguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga pamarinda amadzimambo.
Shona SUB 2002 Bible
Akanga asvika makore makumi matatu namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore masere; akaenda hake asingadikanwi, vakamuviga paguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga pamarinda amadzimambo.