2 Chronicles 21:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro Jehova wakaŋga asiŋgaɗi kuparadza imba yaDavidi, nokuɗa kwesuŋgano yaakaŋga aita naDavidi, ʋuye nokuti wakaŋga amupikira kuti ucamupa mŋenje iye naʋana ʋake ŋguʋa dzose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvisinei hazvo, nokuda kwesungano yakanga yaitwa naJehovha naDhavhidhi, Jehovha haana kuda kuparadza imba yaDhavhidhi. Akanga avimbisa kuchengetedza mwenje wake nezvizvarwa zvake nokusingaperi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakadaro zvazvo Tenzi haana kuparadza imba yaDhavhidhi pamusana pechitenderano chaakanga aita naDhavhidhi sezvo akanga atsidzira kumupa mwenje unogara uchipfuta nokusingapere iye navanakomana vokwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange zvakadaro Jehovha akanga asingadi kuparadza imba yaDhavhidhi, nokuda kwesungano yaakanga aita naDhavhidhi, uye nokuti akanga amupikira kuti achamupa mwenje iye navana vake nguva dzose.
Shona 2009?
Kunyange zvakadaro Jehovha akanga asingadi kuparadza imba yaDhavhidhi, nokuda kwesungano yaakanga aita naDhavhidhi, uye nokuti akanga amupikira kuti achamupa mwenje iye navana vake nguva dzose.
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe zvakadaro Jehovha akanga asingadi kuparadza imba yaDhavhidhi, nokuda kwesungano yaakanga aita naDhavhidhi, uye nokuti akanga amupikira kuti achamupa mwenje iye navana vake nguva dzose.