2 Chronicles 22:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jehoshabeati mukunda wamambo, wakatora Joashi mŋanakomana waAhazia, akamuɓa pakati paʋanakomana ʋamambo ʋaiʋurawa, akamuisa iye nomureri wake mumba mokuʋata. Naiɀoɀo Jehoshabeati mukunda wamambo Jehorami, mukadzi waJehoyada muprista, (nokuti waiʋa hanɀadzi yaAhazia,) akamuʋanza panaAtaria, naiɀoɀo haana‐kumuʋuraya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jehoshebha, mwanasikana waMambo Jehoramu akatora Joashi mwanakomana waAhazia uya akamuka kubva pakati pavanakomana vamambo avo vakanga vava kuda kuurayiwa uye akamuisa iye nomureri wake mumba mokuvata. Nokuti Jehoshebha, mwanasikana wamambo Jehoramu nomukadzi womuprista Jehoyadha, aiva hanzvadzi yaAhazia, akaviga mwana kubva kuna Ataria kuti asamuuraya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Jehoshebha mukunda wamambo, akatora Joashi mwanakomana waAhaziya akamusvovesera mumba mokurara, iye nomureri wake pakati pevanakomana vamambo vakanga voda kuurayiwa. Ndozvakaitwa naJehoshebha mukunda wamambo Jehoramu mudzimai womupristi Jehoyadha nokuti vaiva hanzvadzi yaAhaziya vachimuhwandisa kuna Atariya naizvozvo haana kumuuraya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jehoshabheati mukunda wamambo wakatora Joashi mwanakomana waAhazia, akamuba pakati pavanakomana vamambo vaiurawa, akamuisa iye nomureri wake mumba mokuvata. Naizvozvo Jehoshabheati mukunda wamambo Jehoramu, mukadzi waJehoyadha mupristi, (nokuti waiva hanzvadzi yaAhazia), akamuvanza pana Ataria, naizvozvo havana kumuuraya.
Shona 2009?
Asi Jehoshabhiyati mukunda wamambo wakatora Joashi mwanakomana waAhazia, akamuba pakati pavanakomana vamambo vaiurawa, akamuisa iye nomureri wake mumba mokuvata. Naizvozvo Jehoshabhiyati mukunda wamambo Jehoramu, mukadzi waJehoyadha muprista, (nokuti waiva hanzvadzi yaAhazia), akamuvanza pana Ataria, naizvozvo havana kumuuraya.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Jehoshabheati mukunda wamambo wakatora Joashi mwanakomana waAhazia, akamuba pakati pavanakomana vamambo vaiurayiwa, akamuisa iye nomureri wake mumba mokuvata. Naizvozvo Jehoshabheati mukunda wamambo Jehoramu, mukadzi waJehoyadha mupristi, (nokuti waiva hanzvadzi yaAhazia), akamuvanza pana Ataria, naizvozvo havana kumuuraya.