2 Chronicles 22:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akadzokera Jezreeri kuzorapxa maʋaŋga aakatemŋa paRama, ŋguʋa yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Azaria mŋanakomana waJehorami mambo waJuda, akaenda kundoʋona Jehorami mŋanakomana waAhabi paJezreeri, nokuti wakaŋga acirwara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka akadzokera kuJezireeri kuti ambondopora maronda akanga akuvara paRamoti paairwa naHazaeri mambo weAramu. Ipapo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo weJudha akadzika kuJezireeri kundoona Joramu mwanakomana waAhabhu nokuti akanga akuvara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
akabva adzokera kuJezirieri kundorapwa maronda aakanga akuvadzwa kuRama paakarwisa Hazaeri mambo weSiria. Ahaziya mwana waJehoramu mambo wokwaJudha akadzika kuJezirieri kundoona Jehoramu mwana waAhabhu sezvo ainge achirwara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akadzokera Jezireeri kuzorapwa mavanga aakatemwa paRama, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Azaria mwanakomana waJehoramu mambo waJudha, akaenda kundoona Jehoramu mwanakomana waAhabhi paJezireeri, nokuti akanga achirwara.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible