2 Chronicles 22:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akatȿaka Ahazia ʋo, ʋakamuɓata, (nokuti wakaŋga aʋanda paSamaria), ʋakamuisa kunaJehu, ʋakamuʋuraya; ʋakamuʋiga, nokuti ʋakati: Mŋanakomana waJehoshafati, wakatȿaka Jehova nomŋoyo wake wose. Asi kwakaŋga kusinomumŋe weimba yaAhazia wakaŋga anesimba rokuɓata ʋushe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akaenda kundotsvaka Ahazia, uye vanhu vake vakamubata paakanga akavanda muSamaria. Akauyiswa kuna Jehu, ndokuurayiwa. Vakamuviga nokuti vakati, “Akanga ari mwanakomana waJehoshafati, aitsvaga Mwari nomwoyo wake wose.” Saka pakasara pasina akanga akasimba muimba yaAhazia zvokuti angagona kubata ushe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akavhima Ahaziya, akazobatwa akahwanda kuSamaria. Akauyiwa naye kuna Jehu akaurayiwa. Vakamuviga nokuti vaiti uyu muzukuru waJehoshafati uya akatsvaka Tenzi nomwoyo wake wose. Kwakasara kusisina munhu wemba yaAhaziya aikwanisa kutonga nyika iyi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatsvaka Ahaziawo; vakamubata, (nokuti akanga avanda paSamaria), vakamuisa kuna Jehu vakamuuraya; vakamuviga vakati, “Mwanakomana waJehoshafati, akatsvaka Jehovha nomwoyo wake wose.” Asi kwakanga kusina mumwe weimba yaAhazia akanga ane simba rokubata ushe.
Shona 2009?
Akatsvaka Ahaziawo; vakamubata, (nokuti akanga avanda paSamaria), vakamuisa kuna Jehu vakamuuraya; vakamuviga vakati, "Mwanakomana waJehoshafati, akatsvaka Jehovha nomoyo wake wose." Asi kwakanga kusina mumwe weimba yaAhazia akanga ane simba rokubata ushe.
Shona SUB 2002 Bible
Akatsvaka Ahaziawo; vakamubata, (nokuti akanga avanda paSamaria), vakamuisa kuna Jehu vakamuuraya; vakamuviga vakati, “Mwanakomana waJehoshafati, akatsvaka Jehovha nomwoyo wake wose.” Asi kwakanga kusina mumwe weimba yaAhazia akanga ane simba rokubata ushe.