2 Chronicles 23:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaroŋgedza ʋanhu ʋose, mumŋe nomumŋe akaɓata nhumbi dzokurwa nadzo muruʋoko rwake, kubva kurutiʋi rworudyi rweimba kuȿikira kurutiʋi rworuɓoshwe rweimba, napaartari neimba, ʋakakomba mambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akamisa varume vose panzvimbo, mumwe nomumwe aine chombo chake muruoko rwake, vakakomberedza mambo, pedyo nearitari netemberi, kubva kurutivi rwezasi kusvika kurutivi rwokumusoro kwetemberi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaronga vanhu vose kuti vachengetedze mambo, munhu wose akabata mumaoko chombo chake chehondo kubvira kumaodzanyemba kwemba kusvikira kuchamhembe kutenderedza atari nemba yamambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akarongedza vanhu vose, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake, kubva kurutivi rworudyi rweimba kusvikira kurutivi rworuboshwe rweimba, napaaritari neimba, vakakomba mambo.
Shona 2009?
Akarongedza vanhu vose, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake, kubva kurutivi rworudyi rweimba kusvikira kurutivi rworuboshwe rweimba, napaaritari neimba, vakakomba mambo.
Shona SUB 2002 Bible
Akarongedza vanhu vose, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake, kubva kurutivi rworudyi rweimba kusvikira kurutivi rworuboshwe rweimba, napaatari neimba, vakakomba mambo.